Mutemo Wezvekuvanzika KweMashoko (Privacy Policy)
Mutemo uyu weZvekuvanzika KweMashoko (“Mutemo Wezvekuvanzika”) unotsanangura maitiro anoitwa naAudere, sangano rinobatsira veruzhinji pasina chinangwa chekuita mari (“Audere”, “isu” kana kuti “vedu”), uye unoratidza maitiro atinoita pakutora, kushandisa, kuchengetedza, kugadzirisa, kuendesa uye kudzivirira ruzivo ruri pamusoro pako ako ega ega, zvinoenderana nemitemo inoshanda kana yakakodzera yekuchengetedzwa kweruzivo (Data Protection) yemunyika matiri kupa zvirongwa zvedu.
Mutemo uyu unoshanda pamashoko atinotora kuburikidza nezvirongwa (applications) uye mabot (mobile kana zvimwewo) anogadzirwa kana kuitwa naAudere (zvinodaizwa kunzi “MaApp”). Izvi zvinosanganisirawo chero kutumirana mameseji kune chekuita neMaApp pamwe nezvimwe zvese zvine chekuita nebasa redu (zvinonzi pamwe chete “Services”).
1. Mvumo
Ndapota nyatsoverenga mutemo uno wezvekuvanzika kwemashoko. Kuburikidza nekushandisa MaWebsite, MaApp kana zvirongwa zvedu, uri kubvuma kuti une makore gumi nematanhatu (16) kana kupfuura uye unoziva nekugamuchira zvizere mazwi nemirau yose yakatsanangurwa muMutemo Uno Wezvekuvanzika. Kana uri pasi pemakore gumi nematanhatu (16), unofanirwa kuwana mvumo kubva kuvabereki vako kana muchengeti wako kuti urambe uchishandisa App ino kana zvirongwa zvainopa.
Kana usingabvumirani, kana usinganzwe wakasununguka nezviri mumutemo uno, unofanirwa kukurumidza kurega kushandisa zvirongwa zvedu.
2. Kuunganidzwa kwemashoko
Kuchengetedza mashoko ako ega ega ndochimwe chezvinhu zvatinonyanya kukoshesa. Tinotora mashoko ako kunyanya kuitira kuzadzisa zvinangwa zvakaita kuti usarudze kushandisa Audere.
Mashoko Aunopa pasina kumanikidzwa
i. Mashoko anoita kuti uzivikanwe kuti ndiwe ani. Kana uchishandisa zvirongwa zveAudere, tinogona kutora ruzovo ruri pamusoro pako, zvakafanana nekero yako uye zvinhu zvinoita kuti tikwanise kukubata (semuenzaniso: nhamba yefoni, email, zita, nezvimwewo).
ii. Mashoko ane chekuita neutano hwako. Mashoko ane chekuita nezvirwere zvaunenge uinazvo, rumwe ruzivo rune chekuita neutano hwako, mapikicha ane chekuita nemamiriro ezveutano, pamwe nemamwe mashoko aunoisa mumibvunzo kana maficha paunenge uchishandisa zvirongwa zvedu.
iii. Kuchengeta vanoshandisa mabasa. Kana ukataura nechikwata chedu chekubatsira vatengi kana kutumira mashoko pamusoro pemabasa edu, tinounganidza mashoko kuitira kutevera nekupindura mubvunzo wako; kuferefeta kuputswa kuri kuita mutemo uno wezvekuvanzika kana mitemo/mirau inoshanda; uye kuongorora pamwe nekuvandudza mabasa edu.
Ruzivo pamusoro pekupinda muzvirongwa nezviri kushandiswa
Tinounganidza mashoko eLog ane chekuita nekushandiswa kwako kweMaApp eAudere, kusanganisira nguva dzekupinda muApp, mapeji aunoona, uye IP address yako. Tinogonawo kuunganidza mashoko ane chekuita nefoni yaunoshandisa kupinda muMaApp eAudere, akadai semhando yechishandiso (hardware model), hurongwa hwayo (operating system) pamwe neshanduro yacho, zvinokuzivisa pachishandiso (unique device identifiers), uye ruzivo rwe network yawakashandisa.
MaApp anoshandisa mabasa akasiyana epa smartphone kuitira kupa Mabasa. Semuenzaniso, maApp anogona kushandisa zvinotevera pa smartphone yako:
Kamera: Inodiwa kutora mufananidzo wezvabuda paongororo. Mufananidzo wacho unozobviswa mashoko anoita kuti uzivikanwe (de-identified) uye unoshandiswa kuona kuti vheneko yacho yakashanda sezvaitarisirwa here. Mifananidzo iyi inogona kuchengetwa kuitira kuzoongorora zvaiei kureva.
Nzvimbo (GPS Location): Kana ukapa mvumo yekuona nzvimbo yauri, MaApp anogona kuunganidza mashoko enzvimbo achishandisa GPS yefoni yako, izvo zvinopa mashoko asina kuzivikanwa (de-identified) pamusoro penzvimbo dzinoshandisirwa MaApp.
Zviziviso (Notifications): Kukuyeuchidza kuti utange kana kupedzisa chiito chine chekuita nezvinangwa zvakaita kuti usarudze kushandisa Mabasa eAudere.
Dzimwe mhando dzemashoko
Tinoramba tichishanda nesimba kuvandudza mabasa edu kuburikidza nezvirongwa zvitsva, maapplication, uye maficha matsva izvo zvinogona kutungamira mukuunganidzwa kwedzimwe mhando dzemashoko. Tichagadzirisa mutemo wedu wezvekuvanzika kana zvichidiwa uye pazvinenge zvakakodzera.
3. Tinoshandisa sei ruzivo rwako
Tinoshandisa mashoko atinounganidza chete nenzira dzakatsanangurwa mumutemo uno. Kushandiswa kwemashoko kunobva pakubvuma kwako semunhu ari kushandisa. Unokwanisa kubvisa mvumo yawakapa kuti Audere ishandise mashoko ako chero nguva, kuburikidza nekutibata pa: privacy@auderenow.org. Zvisinei, kubviswa kwakanyorwa kwemvumo hakuzokanganisi mashandisirwo atakanga taita mashoko ako usati wabvisa mvumo yako.
Kuzadzisa chinangwa chawakapa mashoko acho
Tinoshandisa mashoko atinounganidza kuti tipe zvirongwa zvedu. Izvi zvinogona kusanganisira, pamusoro pezvimwe zvinhu, kushandisa mashoko ako kuitira:
i. Kutaurirana newe, uye kuita zvawakumbira;
ii. Kukubvumidza kushandisa MaApp nemazvo, kusanganisira kusimbisa kushanya kwako uye kutevera mashandisirwo ako ezvirongwa zvedu;
iii. Kukutaurira pamusoro peakaundi yako, pamwe neruzivo rwakakosha nezvemabasa edu (semuenzaniso: kuchinja kwemitemo, chengetedzo, kana zvimwe);
iv. Kutarisa, kuona, kuferefeta uye kudzivirira maitiro anorambidzwa kana zvisiri pamutemo pamabasa edu, kuitira kudzivirira njodzi;
v. Kuita tsvakurudzo, asi mashoko ako achiramba akachengetedzwa pasina kukuzivisa uye asingagoverwi kune ani zvake kunze kwechikwata chetsvakurudzo;
vi. Kana zvichidikanwa, kuchengetedza mashoko aya pazvikonzero zvemutemo kana zvekuongorora; uye
vii. Kuita chimwe nechimwe chinangwa chawakaziviswa panguva yatakatora ruzivo rwacho.
Kuongorora mashandiro ari kuita zvirongwa zvedu nekuzvivandudza
Tinoshandisa ruzivo urwu kuita tsvagurudzo nekusimudzira (research & development), izvo zvinogona kusanganisira, semuenzaniso, kuongorora kuti zvatiri kuona zvinomborevei netsvagurudzo kuitira kugadzira zvirongwa zvitsva kana kuvandudza zvirongwa zvagara zviripo, pamwe nekuita ongororo yekuti zvirongwa zviri kushanda nenzira kwayo.
Kupa rubatsiro kuvanhu vanoshandisa zvirongwa zvedu
Kana mukatibata, tinogona kushandisa kana kukumbira ruzivo rwenyu, kusanganisira mashoko ane chekuita neutano hwenyu, sezvazvinodiwa kuti tipindure mibvunzo yenyu, kugadzirisa kupokana, uye/kana kuferefeta uye kugadzirisa matambudziko kana zvichemo.
4. Kugoverwa kwemashoko
Tinogona kuburitsa mashoko akabatanidzwa (aggregated information) pamusoro pevamwe vanhu vanoshandisa, uye mashoko asingatomboratidzi munhu wacho pachake, pasina zvinorambidzwa. Uyezve, munobvuma kuti tine kodzero yekuzivisa mashoko ega ega atinounganidza kana amunoendesa, kune:
Vanopa zvirongwa vakazvimirira
Tinogovera mashoko atinounganidza kune vanopa zvirongwa vakazvimirira, sezvinodiwa kuti vazadzise chinangwa chakaita kuti mubvume kushandisa zvirongwa zvedu. Vanopa zvirongwa izvi vanoshanda vakatimiririra. Audere inotevedzera maitiro uye inoita zvibvumirano nevanoita basa iri kuitira kuchengetedza zvakavanzika uye kuchengetedzwa kweruzivo rwenyu.
Kugoverwa kwemashoko asina kuzivikanwa
Tinogonawo kugovera nevanoita basa rekutibatsira (third-party service providers) mashoko akabatanidzwa kana akabviswa zvinoita kuti muzivikanwe (de-identified).
Sezvinodiwa nemutemo
Pane imwe nguva, ruzivo rwenyu runogona kugadziriswa zvinoenderana nemitemo, mirau, kana magwaro epamutemo anosanganisira masamanisi edare, marezinesi, kana mirairo yehurumende. Tichachengetedza nekuzivisa chero ruzivo rwunodiwa kune masangano emutemo kana vamwe vanhu kana zvichidikanwa nemutemo kana tichitenda nemoyo wese kuti kuchengetedza kana kuzivisa ruzivo urwu kwakakosha kuita zvinotevera:
(a) kutevedzera maitiro epamutemo kana ekutonga (semuenzaniso kutongwa kudare, murairo wedare, kana kubvunzwa nehurumende) kana zvisungo zvatinofanira kutevedzera zvichienderana nemitemo yehunyanzvi, yetsika uye nemimwe mitemo;
(b) kumanikidza kodzero dzedu pasi pemitemo;
(c) kupindura kunyunyuta kunoti zvimwe zvirimo zvinotyora kodzero dzevamwe;
(d) kuchengetedza kodzero, pfuma, kana kuchengetedzeka kweAudere, vashandi vayo, vashandisi, vatengi, pamwe neruzhinji.
Kubatsira panyaya dzehutano hweveruzhinji
Kuti tipindure uye tizivise kune masangano anoona nezvehutano hweveruzhinji pamusoro pechirwere chinofanirwa kuziviswa, Audere ingangodikanwa kuunganidza nekuparidzira ruzivo rwega nezvako kumasangano anoona nezvehutano. Ruzivo urwu runoparidzirwa masangano aya kuitira kudzivirira kupararira kwechirwere uye/kana kudzivirira kana kuderedza ngozi huru kune hutano kana kuchengetedzeka kwevanhu.
Kutsigira kuchinjana kwemabhizinesi
Kana Audere ikapinda muchiitiko chebhizinesi chakaita semubatanidzwa, kutengwa nekambani imwe, kana kutengeswa kwezvimwe kana zvinhu zvayo zvese, Ruzivo Rwako Pachako runogona kuverengerwa pakati pezvinhu zvinotamiswa. Muzviitiko zvakadai, ruzivo rwako rucharamba rwuchidzivirirwa sezvataurwa muChiziviso chePachivande chaive chiripo panguva iyoyo.
5. Matanho Ekuchengetedza
Audere inotora matanho akakodzera ekutogadzirisa zvinhu (physical), ehunyanzvi uye admistrative kudzivirira kuti vamwe vanhu vasvike pane ruzivo rwako pasina mvumo kana kuburitswa kweruzivo rwako, kuchengetedza chokwadi cheruzivo, kuona kushandiswa kwakakodzera kweruzivo, uye kuchengetedza ruzivo rwatinounganidza. ZVICHIREVA IZVO, HAPANA KUTUMIRWA KWERUZIVO KUBURIKIDZA NEINTERNET KANA PAMANETWORK ANOSHANDISA WIRELESS KUNOGONESA KUVIMBISA KUTI RUZIVO RWAKO RWAKANYATSOSHINGIRIRWA KUTI RUCHENGETEKE. Nekudaro, kunyangwe tichitora matanho akakodzera ekuchengetedza ruzivo rwako pachako tichishandisa matekinoroji aripo uye akatenderwa mumabhizinesi, hatigone kuvimbisa kuchengetedzeka kweruzivo rwaunotitumira, uye unozviisa panjodzi uri wega.
Tinogadzira maapplication ane chengetedzo kubva pakutanga. Tinobatanidza ongororo dzepachena dzekuchengetedzeka mukugadzirwa kwesoftware, kuyedzwa kwemhando (quality assurance), uye pakuparadzirwa kwayo mukushanda.
Kubvisa zita/kupa zita remadunhurirwa (De-identification/Pseudonymization): Kana ruzivo rwuchipiwa vatinoshanda navo, ruzivo runoburitsa pachena kuti munhu uyu ndiyani (Personally Identifiable Information) runobviswa kubva muPersonal Health Information uye runopiwa rwabviswa zvinoita kuti munhu azivikanwe. Ruzivo runenge rwasara rusisazivikanwe kuti rwabva kunaani urwu runozonyorwa tichishandisa ID yakagadzirwa nenzira isina kurongwa (randomly generated).
Kunyora zvinhu zvinoita kuti munhunje asazive kuti zviri kurevei (Encryption): Tinoshandisa matanho anoshandiswa muindasitiri kunyora (encrypt) ruzivo rwemunhu uye ruzivo rweutano panguva yekuchengetwa uye pakufambiswa.
Kupatsanura nzvimbo dzekushanda (Separation of Environments): Tinovimbisa kuti nzvimbo dzekuyedza, dzekugadzira, uye dzekutsvagisa (sekudiwa kwechinangwa chawakatipa ruzivo) dzakasiyana uye dzinosvikirwa nevanhu vane mvumo chete.
Kuderedza mukana wekusvika pane ruzivo kune vashandi vakatenderwa chete: Tinoderedza mukana wekusvika pane ruzivo rwemunhu kune vashandi vane mvumo zvinoenderana nebasa ravo uye chinzvimbo. Maitiro edu ekuderedza mukana wekusvika apa anosanganisira kushandisa multi-factor authentication.
Kuwona kutyisidzirwa nekuvhara mikaha yekusachengeteka: Tine chirongwa chekuburitsa mikaha yekuchengetedza (vulnerability disclosure program) [https://auderenow.org/security], uye tinoshandisa maturusi ari otomatiki ekuongorora kodhi yedu kuti tiongorore mikaha mitsva yekusachengeteka iyo yatinogadzirisa ipapo.
Kutungamira vapi vanoshanda vakazvimiririra vemasevhisi: Tinoda kuti vese vatinodyidzana navo munyika dzese vatore uye vachengetedze matanho ekuchengetedza anobvumiranwa neindasitiri kudzivirira ruzivo rwemunhu.
Kuchengetedza ruzivo: Hatizotadzisa ruzivo rwemunhu kwenguva yakarebesa kupfuura inodiwa kuti tibudirire nechinangwa chakaita kuti ruzivo urwu ruunganidzwe kana kugadziriswa. Zvisinei, tinogona kuruchengeta kwechinangwa chenhoroondo, ongororo kana kutsvagisa tichiita chokwadi chekuti pane matanho akakodzera akatorwa kudzivirira kushandiswa kweruzivo urwu kune zvimwe zvinangwa zvisiri izvo.
Ibasa rako: Audere haigoni kuchengetedza ruzivo rwemunhu rwaunosarudza kuburitsa pachako kana rwaunokumbira kuti tiburitse.
6. Kudzivirirwa kwevana vadiki
Tinotora nyaya yekudzivirirwa kwevana vadiki zvakanyanya mukushandiswa kweInternet, uye takazvipira kudzivirira zvakavanzika zvevana pamwe chete nevakuru. Mabasa eAudere HAANA kugadzirwa, kutungamirwa kana kukwezvwa nevanhu vari pasi pemakore gumi nematanhatu (16) vasina mvumo yakapihwa kare nevabereki vavo kana muchengeti wavo pamutemo kushandisa mhinduro yedu. Hatizongounganidzi ruzivo neruzivo rwevana vadiki vari pasi pemakore 16 vasina mvumo yakapihwa nevabereki vavo kana muchengeti wavo pamutemo.
Tinokumbira kuti vana vadiki (pasi pemakore 16) vasashandise masevhisi eAudere kana mvumo iyoyo isina kuwanikwa, zvisinei nechikonzero. Kana mwana ari pasi pemakore 16 akatipa ruzivo, mubereki kana mumiriri wake pamutemo anokwanisa kutibata uye akumbire kuti ruzivo urwu rubviswe muzvinyorwa zvedu. Kunze kwekunge tapihwa chiziviso chanyorwa chinopikisa, tichafunga kuti ruzivo rwese rwatinogamuchira rwakapihwa nevanhu vane makore 16 kana kupfuura, kana kuti kana ruchibva kumwana ari pasi pemakore 16, mvumo yakapihwa nemubereki kana mumiriri wake pamutemo.
Kana uri pasi pemakore 18 uye uchida kurapwa kwachiremba, mutemo unoda kuti uve wakura zvekuzvifungira uye une unyanzvi hwekunzwisisa mabhenefiti, njodzi, uye zvazvinoreva munharaunda kurapwa uku. Kana usina chokwadi nezve mabhenefiti, njodzi, kana zvinoreva kurapwa kwachiremba kwawafunga kuita, unofanira kukumbira rubatsiro uye mvumo kubva kumubereki, mumiriri, kana muchengeti wako.
7. Mawebhusaiti anoshandidzana
Tinogona kupa zvinongedzo (links) kune mawebhusaiti ekunze ari kutongwa nemasangano asingabatani nesu. Hatiparidzi ruzivo rwako kumasangano ari kushanda mawebhusaiti aya. Hationgorori kana kutsigira, uye hatisi mutoro kune nzira dzekuchengetedzwa kweruzivo dzemasangano aya.
Tinokukurudzira kuti uverenge zviziviso zvepachivande (privacy policies) zvewebhusaiti yega yega yaunoshandisa. Chiziviso ichi chePachivande chinongoshanda kune ruzivo rwunounganidzwa nesu uye nevashandi vedu vanoshanda pachinzvimbo chedu.
8. Zvisingatenderwi kuti zvinhu izvi zvishandiswe
Hamutenderwi kushandisa masevhisi kana zvimwe zvinhu zvirimo:
(a) Zvisiri pamutemo;
(b) Kukurudzira kana kukwezva vamwe kuti vaite zvinhu zvisiri pamutemo;
(c) Kutyora chero mitemo yenyika, yedunhu, yemuno, kana yenyika dzepasi rose;
(d) Kutyora kodzero dzevanhu vanenge vafunga/vagadzira zvinhu (intellectual property) kana kodzero dzevamwe;
(e) Kushungurudza, kushora, kutuka, kukuvadza, kudenha, kutaura zvakaipa, kudzikisira vamwe, kutyisidzira kana kusarura zvichienderana nekuti munhu mukadzi kana murume here, zvavanotendera panyaya dzekuti vanozvitora semurume kana mukadzi here, chitendero, rudzi, marudzi, zera, kwavanobva kana hurema;
(f) Kutumira ruzivo rwenhema kana runonyengera;
(g) Kuisa kana kutumira mavhairasi kana kodhi inogona kukanganisa kushanda kwemasevhisi;
(h) Kuunganidza kana kutevera ruzivo rwevamwe;
(i) Kutumidzira zvinhu zvinenge zvisina kukumbirwa (spam, phishing, pharming, pretexting, crawling, kana scraping);
(j) Kushandisa masevhisi pazvinhu zvisina hunhu kana zvinonyadzisira (obscene/immoral);
(k) Kuita chero chinhu chinowedzera mutoro usingaenzaniswi kana unoremera pawebhusaiti yedu;
(l) kana kushandisa chero nzira inopindira kana inokanganisa kushanda kwakanaka kwemasevhisi edu kana kugona kwazvo kuzvidzivirira.
Tine kodzero yekumisa kushandiswa kwemasevhisi edu kana ukatyora chero chimwe chezvinorambidzwa izvi.
9. Kodzero Dzenyu
Une kodzero dzinotevera:
Kodzero yekuti ruzivo rwako rugadziriswe zviri pamutemo: Tichagadzirisa ruzivo rwako pachako chete kune chinangwa chiri pamutemo uye nenzira isingatyori kodzero dzako dzezvakavanzika.
Kupinda muruzivo rwako: Une kodzero yekukumbira kopi yeruzivo rwega rwatakachengeta nezvako. Kukumbira izvi, taura nesu pa privacy@auderenow.org uye tsanangura ruzivo rwaunoda. Tichada kopi yechitupa chako chemazita kuti tinyatsoona kuti ndimi musati mapihwa ruzivo urwu.
Zivai kuti kukumbira uku kunogona kubhadharwa mari inobvumidzwa nemutemo.
Kugadzirisa ruzivo rwako: Une kodzero yekukumbira kuti tidzokorodze, tigadzirise kana tibvise ruzivo rwako. Tichada kopi yechitupa chako kuti tisimbise kuti ndimi musati taita chero shanduko.
Kubviswa kweruzivo (right to be forgotten): Une kodzero yekubvisa ruzivo rwako kana rusisadiwi pakugadziriswa kwarwo kwekutanga, kana ukabvisa mvumo yako uye pasina chimwe chikonzero chinoramba chiripo chekuchengetedza ruzivo irworwo.
Kudzora kugadziriswa kweruzivo rwako: Une kodzero yekukumbira kuti ruzivo rwako rugadziriswe chete zvakakosha kuti tikwanise kuita basa redu kwauri.
Kunyunyuta: Kana tikatyora chero mutemo wechiziviso chepachivande ichi, une kodzero yekunyunyuta kumasangano anoona nezvedziviriro yeruzivo munyika menyu.
Kubvisa mvumo: Une kodzero yekubvisa mvumo yako chero nguva, kana kugadziriswa kweruzivo kwanga kuchibva pamvumo yako. Izvi hazvizokanganisi kugadziriswa kwatakaita tisati tawana kubviswa kwemvumo.
Kukurira kugadziriswa: Une kodzero yekuramba kugadziriswa kweruzivo rwako kana kuchibva pazvinofungidzirwa sezvakakodzera nemutemo.
Kudzivirira kushandiswa kwekutengesa zvakananga Une kodzero yekuramba kugadziriswa kweruzivo rwako nechinangwa chekushambadzira.
Zivai kuti kodzero idzi dzinogona kudzikamiswa nemutemo wemuno. Uyezve, kodzero dzekuwana uye kudzima ruzivo hadzisi dzechokwadi nguva dzese, kunyanya kana kugutsa kodzero idzi kuchikanganisa kutongwa kwemhosva, kuchengetedzwa kwevamwe, kana zvingaite mutoro wakawandisa kuwedzera pamari kana simba redu.
Kunyunyuta: Kana uchitenda kuti takatyora kodzero dzako, tinokukurudzira kuti ubate nesu kuti tikwanise kugadzirisa nyaya yacho usati waenda kune dzimwe nzira dzekupokana.
10. Kushambadzira Kwakananga
Audere haiburitse ruzivo rwako kune vanhu vanoshanda vakazvimirira (third parties) nechinangwa chekushambadzira.
11. Kusapa mhosva
Munobvuma kubhadhara, kudzivirira, uye kuchengetedza Audere pamwe chete nemapazi ayo, vavanobatana nayo, vashandi vakuru, madirector, vamiririri, makontrakita, vanopa marezinesi, vanopa masevhisi, vashandi vari pasi pekontrakiti, vanotengesa zvinhu, vadzidzi vechikoro (interns), uye vashandi, kubva kune chero chirevo kana chichemo, kusanganisira mari dzine mwero dzemagweta, chinobva kana chichibva mukutyora kwenyu gwaro iri remutemo uno, kana kupwanya kwenyu mutemo upi zvawo kana kodzero dzemunhu wechitatu.
12. Shanduko kuGwaro remutemo wekuvanzika
Audere inogona kushandura gwaro remutemo kuti riratidze shanduko dziri pamutemo, sangano redu, mabasa edu, nzira dzatinounganidza nekushandisa dhata, kana kufambira mberi kwetekinoroji. Mashandisirwo edu eruzivo rwatinounganidza anenge achitevedzera gwaro remutemo riri kushanda panguva yakatorwa ruzivo irworwo. Zvichienderana nerudzi rweshanduko, tinogona kukuzivisai nezvayo kuburikidza nekutumira pano peji kana kuburikidza neemail. Ndapota ongororai zvakanyatsonaka chero shanduko dzinenge dzaitwa kugwaro iri remutemo uno.
13. General
Kana mutemo uno ukaiswa mune mimwe mitauro, mutauro wechirungu unoenda pamusoro pemimwe mitauro
14: Tibatei
Kana muine mibvunzo pamusoro pemutemo uno, kana kuti muchida kupa chichemo, ndapota tisenderei email pa privacy@auderenow.org.
Effective date: November 2024