Title: Prevention Accelerator for Communities on the Edge of Sex Work (PACE): Pilot Study of a Comprehensive HIV Care and Prevention AI Toolkit among women on the edge of sex work

English Translation

Ndebele Translation

Nhanganyaya

Muri kukokwa kuti mupinde mutsvagurudzo inosanganisira kushandisa chirongwa chinoshandisa hunyanzvi hweArtificial Intelligence (AI) companion paWhatsApp ichikutungamirirai pane zvinhu zvakasiyana-siyana zvine chekuita neutano, kusanganisira kuongororwa HIV, hutano hwepabonde nehwekubereka (SRH), uye kuwana zvirongwa zveutano.

Tsvagurudzo iyi yakanangana nekuona kuti AI iyi ingashandiswe sei pamwe chete nezvirongwa zvagara zvichipiwa kana munhu auya kuchipatara cheCeSHHAR kumadzimai anorarama nekutengesa bonde pamwe chete neavo vanopiwa mari kana zvipo mushure mekunge vaita bonde kunyangwe vasingazvione sevanhu vanotengesa bonde.

Chii chinonzi AI companion?

AI companion hurongwa hune hunyanzvi hunokwanisa kutaura newe, sezvinongoita munhu, ichipa ruzivo rwakakosha rweutano nemazano anobatsira. Mutsvagurudzo ino, muchange muchishandisa AI companion iyo inopa rubatsiro panyaya dzehutano dzakawanda dzinosanganisira utano hwepabonde, hukama/hushamwari, kudzivirira kubatira HIV uye kuwana zvimwewo zvirongwa zvehutano.

AI companion inzira yakavandika uye inotaura zvakasununguka inoshanda pamwe chete nezvirongwa zvehutano zveCeSHHAR kukubatsirai kuchengetedza utano. Kuburikidza neWhatsApp, AI companion inoita hurukuro nemi pamusoro penhau dzehutano dzakakosha sekudzivirira HIV, utano hwepabonde, hukama nehushamwari pamwe chete nekuzviongorora utachiwana hweHIV. Inokubatsirai kuti muwane rubatsiro ruri maringe nemi, kana muchida kuzviongorora utachiwana muri kumba kana kuenda kuchipatara cheCeSHHAR kuti mukwanise kutora zvirongwa zvehutano. AI companion iripo kuti muwane zvirongwa zvamunenge muchida nenzira yakakusunungukirai, iri nyore uye pasina njodzi.

Chikonzero nei tiri kuita tsvagurudzo iyi?

Chinangwa chetsvagurudzo ino ndechekuona kuti chirongwa chePACE, icho chinosanganisira kushandisa AI companion pamwe chete nezvirongwa zvehutano zveCeSHHAR, chingabatsire sei madzimai anotengesa bonde asi vasingazvione sevanhu vanotengesa bonde kuwana zvirongwa zvehutano zvakafanana nehutano hwepabonde, nzira dzekudzivirira kubatira HIV, pamwe chete nezvimwewo zvirongwa. Tiri kuda kuona kana nzira iyi ichikwanisa kuvandudza kuwanikwa kweruzivo ruri maererano nehutano uye rutsigiro runopiwa pasingatarise kuti munhu uyu akamira sei uye rwakavandika zvichibatsira kuita sarudzo maererano nehutano hwenyu.

Hurongwa hwePACE hunoshandisa sei Artificial Intelligence (AI) ?

Hurongwa hwePACE hunoshandisa AI kuitira kuti hutano hweHIV huve hwepachivande, hunowanikwa nyore, uye hunoshanda zvakanaka. Heanoi mashandiro ahwo:

  • AI companion: Hurukuro iri paWhatsApp inobatsirwa neAI inokubatsira kunzwisisa njodzi yauinayo kubatira HIV, inokutungamira pakuzviongorora wega (self-testing), uye yokuendesa kuzvirongwa zvekurapwa kana zvichidiwa.

  • Yakachengeteka uye yepachivande: ruzivo rune chekuita nemi runobatwa nenzira yakachengetedzeka. Hurukuro dzacho hadziisi nhamba yenyu yefoni kana ruzivo rwemunhu pachake kunze kwekunge imimi mavapa. Ruzivo runotumirwa kumasevhisi eAI (senge OpenAI kana Anthropic) haruchengetwi kana kushandiswa kugadzirisa zvirongwa izvi.

  • Kubatsirwa kuongororwa kwakarurama: AI inoshandisa computer vision (CV) kuti ibatsire kududzira zvabuda pakuzviongorora HIV mega uye kuona kuti zvabuda ndezvechokwadi. Vanamukoti vanoongororawo zvabuda muongororo iyi kuti vape rubatsiro rwunenge rwuchidiwa.

  • Yakakodzera munharaunda uye Inoenzanirana: AI iyi yakagadzirwa ichibatsirwa nemafungiro emadzimai muZimbabwe uye iri kuongororwa nguva nenguva kuti ipe mhinduro dzakarurama uye dzinoenderana netsika dzemunharaunda.

Hurongwa uhwu hwakagadzirirwa kukutsigirai padanho rimwe nerimwe, huchiona kuti ruzivo pamusoro pehutano hwenyu hunoramba huri muchivande uye kuti zvamunoda pakuchengetedzwa kwehutano zvagadziriswa nemazvo.

Muchaitei mutsvagurudzo ino?

Tsvagurudzo inokutenderai kuti mutaurirane neAI companion paWhatsApp kuti muwane ruzivo nezvirongwa zvehutano chero nguva ipi zvayo, uye unokwanisawo kubatana namukoti paWhatsApp [kana mukasarudza], kana kuwana rubatsiro chero pakiriniki yeCeSHHAR. Sechikamu cheongororo ino, izvi ndizvo zvamuchakwanisa kuita:

  • Kutaurirana neAI companion: Ukangobvuma Terms and Conditions (Ts&Cs) uye wapa mvumo yako, unotanga kutaurirana neAI companion. Ichakupindura mibvunzo ine chekuita nehutano hwako, hukama, uye kudzivirira chirwere cheHIV.

  • Kurairwa Nezvehutano uye Kuongororwa: AI companion ichakupa ongororo yakagadzirirwa iwe zvichienderana nemhinduro dzako, uye ichakutungamira pakuita ongororo yekutarisa njodzi yako yeHIV pamwe nezvimwe zvirongwa zvehutano kana zvichidikanwa.

  • Rubatsiro mukuzviongorora HIV (kana muchida): Kana makakodzera kuzviongorora HIV, AI companion ichakutungamira kuti muzviite nemazvo. Mushure mekuzviongorora, munogona kutumira mufananidzo wezvabuda kuti AI ichishandise computer vision kuona kuti zvabuda ndezvechokwadi. Zvisinei, munenge muine mukana wekuti muite HIV test pamwe nemukoti weCeSHHAR kana muchida.

  • Kupangwa mazano nekupihwa rutsigiro: AI companion ichakupai mazano anopiwa munhu mushure mekunge aongororwa HIV anoenderana nezvinenge zvabuda muongororo. Muchapiwa nzira dzekudzivirira HIV kana mabuda musina utachiwana, uye rutsigiro rwekuti muwane rubatsiro rwekurapwa kana mabuda muine utachiwana. Muchawana zvakare mukana wekubatanidzwa namukoti weCeSHHAR kuti muudzwe zvimwe zvekuita nekuwana zvimwe zvirongwa.

  • Kuteverwa uye kuendeswa kune dzimwe nzvimbo kuti muwane rumwe rubatsiro: mushure mekushandisa AI companion, munozopihwa nhamba yenyu yamunoshandisa imi moga kubatsira kutevera kufambira mberi kwenyu mumasevhisi ehutano. Nhamba iyi ichashandiswa pakutevedzera kuona kuti marapwa here pasina kuburitsa ruzivo rwekuti ndimi ani. Kana magara muchirapwa kuCeSHHAR, muchazokumbirwa kana CeSHHAR ichikwanisa kubatanidza faera renyu nefaera retsvagurudzo kuitira kuti hutano hwenyu hurambe huchienderera mberi zvakanaka.

  • Kubvunzwa mibvunzo (kana muchida): mune mukana zvekare wekupindura mibvunzo mishoma yekutaura mafungiro enyu nezvamasangana nazvo pamanga muchishandisa AI companion.

Kodzero Dzenyu, Kodzero Yekuramba kana kubuda mutsvagurudzo

Isarudzo yenyu yakasununguka kubvuma kupinda muongororo. Mune kodzero yekumira kushandisa AI companion chero pane ipi nguva zvayo pasina kutya kushungurudzwa kana kurangwa. Kana mukasarudza kurega kushandisa AI companion, munongomira chete pasina kuudza vashandi vechirongwa.

Zvisinei, kana zvikaonekwa kuti muri munhu angangove ari munjodzi uye musingachataure neAI companion kwenguva yakareba, munogona kutumidzirwa yeuchidzo nekurudziro yekuti mutaure zvekare neAI companion kuti muwane rubatsiro kana muchirwuda.

Kupinda mutsvagurudzo ino hakumanikidzwe. Kana mukasarudza kusapinda muongororo ino, sarudzo yenyu haizokanganisi hukama hwenyu neCeSHHAR, vashandi vayo, makiriniki ayo, MOHCC (Ministry of Health and Child Care) kana NAC (National AIDS Council) mune remangwana.

Kana mukasarudza kupinda muongororo, makasununguka kutora mvumo yenyu yamunenge mambopa, morega kuramba muri muongororo chero nguva ipi zvayo pasina chirango. Ndapota batai Dr Sungai Chabata pa 077 357 7686 kana muchida kubuda mutsvagurudzo ino.

Kuchengetedzwa kwetsindikidzo, njodzi uye zvamunowana

Kuchengetedzwa kwetsindikidzo uye ruzivo

Kana mukasarudza kusapa zita renyu chairo kuAI companion, ruzivo rwenyu rwamuchapa runoramba rwakavanzika zvachose, izvo zvinoderedza njodzi yekuburitswa kweruzivo rwenyu. Zvinyorwa zvinenge zvabviswa mazita nematauriro amunoita neAI companion zvichagoverwa nekomiti yakazvimirira yevanamukoti vanoongorora hutano.

Nhamba dzenyu dzerunhare dzichachengetedzwa panenge pakakiyiwa. Dzinongowanikwa namukoti chete kuburikidza neClinical Portal, kuitira kuti mukoti akwanise kukubatanidzai nezvirongwa zvamungawana kuCeSHHAR pasina kupa rumwe ruzivo rwekuziva kuti ndimi ani.

Pamwedzi wega wega, data scientist achananganisa nhamba dzefoni dzakashandiswa muongororo pamwe chete nedzeCeSHHAR kuti akwanise kubatanidza vanhu vari kushandisa AI companion nezvirongwa zvavakawana (semuenzaniso: kuongororwa, kudzivirira kana kurapwa). Kuita uku kwakanangana nekunzwisisa zvirikubuda mutsvagurudzo chete. Pashure pekubatanidza nhamba dzerunhare, data scientist achabvisa nhamba dzerunhare oisa manhamba echirongwa (unique identifiers) kuitira kuti ongororo yose iitwe nezvinyorwa zvisina kuzivikanwa.

Pamusoro pezvo, zvabuda zvese zvinozoshandiswa pakupa zvabuda pamwe chete.

Zvisinei, une mvumo yekusarudza kuti nhamba yako yefoni irege kuwanikwa nemukoti kana data scientist. Kana wakadaro, nhamba yako yauchapiwa (unique referral number) ndiyo ichashandiswa kukubatanidza nezvirongwa zveCeSHHAR zvawakawana.

Kuchengetedzwa kweruzivo.

Ongororo ino iri pasi pemutemo wekuchengetedzwa kweruzivo (Data Protection Act) [Chapter 11:12] cha2021, unotonga kuunganidzwa, kushandiswa, uye kuchengetedzwa kweruzivo rune chekuita nemunhu (personal information) zviri pamutemo muZimbabwe. Mutemo uyu wakagadzirirwa kuti udzivirire ruzivo rwakadai sezita renyu, muri murume here kana mukadzi, rudzi, kero, nhamba dzerunhare, anogona kuunganidzwa nekushandiswa nehurumende pamwe nemapato anoshanda akazvimiririra.

Maererano nemutemo uyu, mutsvakurudzi pamwe nesangano riri kuita tsvagurudzo iyi vanosungirwa kushandisa mashoko enyu zviri pamutemo, zvakarurama uye zvakachengetedzeka. Ruzivo rwenyu rwuchashandiswa chete mukuita tsvagurudzo ino uye rwuchachengetwa nekugovaniswa zvinoenderana nezvinodiwa nemutemo unochengetedza ruzivo rwevanhu.

Zvamuchawana

Muchawana mukana wekuwana ruzivo rwezveutano uye mazano kubva kuAI Companion kuburikidza nekupinda muongorororo ino. Muchakwanisa kudzidza zvakawanda maererano nehutano hwenyu, kugamuchira mazano anonyatsoenderana nemi, uye kutungamirirwa pakuzviongorora HIV (kana zvichikodzera). AI Companion ichakubatsirawo kubatana nezvirongwa zvakakodzera zvekurapwa nekudzivirira chirwere, kuitira kuti muwane rubatsiro rwamungada.

Tsvagurudzo ino yakanangana nekuvandudza zvirongwa zvehutano zvemadzimai anotengesa bonde kunyangwe vasingazvitore semadzimai anorarama nekutengesa bonde, kuburikidza nekuongorora kuti AI companion ingabatsira sei kuita kuti ongororo dzehutano dzive nyore kusvika kune vanhu, kuderedza kusarudzwa (stigma), uye kukurudzira kutora zvirongwa zvehutano. Zvichawanikwa muongororo ino zvichabatsira kuvandidza zvirongwa zveAI mune ramangwana.

Njodzi

Pane mukana mudiki diki wekusangana nenjodzi pakushandisa AI companion, kunyanya panguva yamunenge muchizviongorora utachiwana hweHIV. Munogona kunetseka kana kushushikana. Zvisinei, AI companion ichakutungamirirai kuti munozvifambisa sei. AI companion pamwe chete nevashandi vehutano havazokumanikidzai kupa ruzivo rune chekuita nemi, uye ruzivo runoita kuti muzivikanwe ruchachengetedzwa zvine tsindikidzo kuitira kuchengetedza zvakavanzika zvenyu. Pane mukana mudiki diki wekuti ruzivo rune chekuita nemi runogona kuburutswa netsaona. Tichaedza kuita zvese zvinotarisirwa, sekubvisa ruzivo runoita kuti muzivikanwe kuti ndimi ani uye kusakubvunzai kushandisa zvinhu zvinoita kuti muzivikanwe kuitira kuchengetedza tsindikidzo

Kuri kunzi makuvara nekuda kwekuti mapinda muongororo, kunyangwe izvi zvisingatarisirwe, muchawana rubatsiro nekukasika kugadzirisa kukuvara kwamaita. Hamusi kurasa kodzero dzenyu kuburikidza nekupinda muongororo ino.

Mubhadharo

Hapana mubhadharo wamunowana kuburikidza nekupinda muongororo ino. Zvisinei, kana muchida kuwana zvirongwa kubva kuna mukoti kana kutora vheneko yeHIV uye kurapwa munodzorerwa mari yenyu yamunenge mashandisa kukwira kuuya kuno.

Mvumo yekuita ongororo

Tsvagurudzo ino irikuitwa kuburikidza nezvirongwa zvagara zvichipiwa neCeSHHAR kuburikidza nePACE. Nekudaro, tsvagurudzo ino hainei nekupiwa imwe mvumo yakasiyana neyagara iripo kare yakapiwa neMedical Research Council of Zimbabwe kana London School of Tropical Medicine and Hygiene, sezvo ongororo yakatopiwa mvumo kare, pasi pe PACE protocol (MRCZ/A/3290). Ongororo ichaitwa maringe nemutemo.

Munobata ani

Kana mukaita chero mibvunzo maererano netsvagurudzo ino, kana kuti makuvara batai Professor Frances Cowan panhamba dzinoti 0772 257 949 kana Dr Sungai Chabata pa0773577686 panhamba 10 Coronation Avenue, Greendale, Harare kana vakoti pakiriniki.