Title: Mobile health (mHealth) supported self-care among tertiary education students in Zimbabwe

English Translation

Ndebele Translation

Nhanganyaya

Muri kukokwa kuti mupinde mutsvagurudzo inosanganisira kushandisa chirongwa chinoshandisa hunyanzvi hweArtificial Intelligence (AI) companion paWhatsApp ichikutungamirirai pane zvinhu zvakasiyana-siyana zvine chekuita nehutano, kusanganisira kudzivirira HIV, hutano hwepabonde nehwekubereka (SRH), uye kuwana zvirongwa zvehutano. Tsvakurudzo iyi ichashandisa AI Companion pamastudents ari mumacolleges/universities muZimbabwe kubatsira kuti vawane ruzivo kana kuita sarudzo. 

Chii chinonzi AI companion?

AI companion hurongwa hune hunyanzvi hunokwanisa kutaura newe, sezvinongoita munhu, ichipa ruzivo rwakakosha rwehutano nemazano. Mutsvakurudzo ino, muchange muchishandisa AI companion inonzi VimbAI iyo inopa rubatsiro panyaya dzehutano dzakawanda, dzinosanganisira utano hwepabonde, hukama/hushamwari, kudzivirira kubatira HIV uye kuwana zvimwewo zvirongwa zvehutano. 

AI companion inzira yakavandika uye yakasununguka inobatsira pakuita sarudzo yekuchengetedza hutano hwako. Kuburikidza neWhatsApp, AI companion inoita hurukuro nemi pamusoro penhau dzehutano dzakakosha sekudzivirira HIV, kudzivirira pamuviri, hutano hwepabonde, hukama nehushamwari pamwe chete nekuzviongorora utachiwana hweHIV. Inokubatsirai kuti muwane rubatsiro rwuri maringe nemi, kana muchida kuzviongorora utachiwana hweHIV muri kumba kana kuziva nzira yekudzivirira HIV kana kubatira pamuviri . AI companion iripo kuti muwane zvirongwa zvamunenge muchida nenzira yakakusunungukirai, iri nyore uye pasina njodzi. 

Chinangwa chetsvakurudzo 

Chinangwa chetsvakurudzo ino ndechekuona kuti AI Companion yepaWhatsapp, VimbAI, inowandudza here kuwanikwa kweruzivo nezvirongwa zvekudzivirira HIV nekubatira pamuviri uye hutano hwepabonde pakati pemastudents ari mumacollege/university muZimbabwe. 

Hurongwa hweMASCOT hunoshandisa sei Artificial Intelligence (AI) ?

Hurongwa hweMASCOT hunoshandisa AI kuitira kuti hutano hwekudzirira HIV nekubatira pamuviri huve hwakavanzika, huwanikwe nyore, uye huchishanda zvakanaka. Heanoi mashandiro ayo:

  • AI companion: Hurukuro yeWhatsApp inobatsirwa neAI inokubatsira kunzwisisa njodzi yauinayo kubatira HIV uye pamuviri, inokutungamira pakuzviongorora wega (self-testing), uye yokuendesa kuzvirongwa zvekurapwa kana zvekudzivirira kana zvichidiwa.

  • Yakachengeteka uye yakavanzika: ruzivo rwune chekuita nemi runobatwa nenzira yakachengetedzeka. Hurukuro dzacho hadziisi nhamba yenyu yefoni kana ruzivo rwemunhu pachake kunze kwekunge imimi masarudza kuvapa. Ruzivo rwuchagadziriswa nemasystems ane zvinochengetedza tsindidzo nekuona kuti AI isakwanise kudzidziswa zvimwe zvinhu nevamwe vanhu. 

  • Kubatsirwa kuongorora nemazvo: AI inoshandisa computer vision (CV) kubatsire kududzira zvabuda pakuzviongorora HIV. Kunyange matanho akaitwa kuvandudza chokwadi chezvinobuda, kukanganisika kunogona kuitika apo nepapo. Kana paine kusagutsikana nezvinenge zvabuda muongororo yenyu, muchakurudzirwa kudzokorodza kuzviongorora kana kutsvaga mushando vezvehutani kuti vakuongororei zvakare. AI Companion yakagadzirwa kuti ibatsire, asi kwete kubvisa rubatsiro rwevashandi vezvehutani zvehutano kana zvirongwa zvekuongorora. 

  • Yakakodzera munharaunda uye isina rusaruro: AI iyi yakagadzirwa ichibatsirwa nemafungiro emadzimai emuZimbabwe uye iri kuongororwa nguva nenguva kuti ipe mhinduro dzakarurama uye dzinoenderana netsika dzemunharaunda.

  •  Zvehutano zvinoda rubatsiro nekukasika: AI Companion haafanire kushandiswa panguva yezvehutano zvinoda rubatsiro nekukasika. Kana uchida kubatsirwa nezvehutano nekukasika, uine zviratidzo zvakanyanya, kana kuti uchinzwa kunge uri panjodzi inoda rubatsiro nekukasika, ndapota tsvaga rubatsiro pachipatara chiri pedyo newe kana kubata vanopa zvirongwa nekukasika. 

Hurongwa uhwu hwakagadzirirwa kukutsigirai padanho rimwe nerimwe, huchiona kuti ruzivo pamusoro pehutano hwenyu rwunoramba rwakavanzika uye kuti zvamunoda pakuchengetedzwa kwehutano zvagadziriswa nemazvo.

Muchaitei mutsvagurudzo ino?

Tsvagurudzo inokutenderai kuti mutaurirane neAI companion paWhatsApp kuti muwane ruzivo nezvirongwa zvehutano chero nguva ipi zvayo. Pazvinenge zvakakodzera kana kuti vapinda mutsvakurudzo vakakumbira rumwe rubatsiro, AI Companion inogona kuvabatsira kuti vabatane nemushandi vezvehutano akadzidzira basa neWhatsApp [kana zvichidiwa]. Sechikamu cheongororo ino, izvi ndizvo zvamuchakwanisa kuita:

  • Kutaurirana neAI companion: Ukangobvuma Terms and Conditions (Ts&Cs) uye wapa mvumo yako, unotanga kutaurirana neAI companion. Ichakupindura mibvunzo ine chekuita nehutano hwako, hukama, uye kudzivirira chirwere cheHIV nekubata pamuviri.

  • Kurairwa nezvehutano uye kuongororwa: AI companion ichakupa ruzivo rwezvehutano rwunoenderana newe zvichienderana nemhinduro dzako, uye ichakutungamira pakuita ongororo yekutarisa njodzi yako yeHIV pamwe nezvimwe zvirongwa zvehutano kana zvichidikanwa.

  • Rubatsiro pakuzviongorora HIV: AI companion ichakutungamira kuti muzviite nemazvo. Mushure mekuzviongorora, munogona kutumira mufananidzo wezvabuda kuti AI ichishandise computer vision kuona kuti zvabuda ndezvechokwadi. Kunyange system iyi yakagadzirwa kutsanangura zvabuda nemazvo, kukanganisika kunogona kuitika uye zvabuda kana zvisina kujeka zvabuda zvinofanira kunoonekwa kuti ndizvo here nemushandi vezvehutano.

  • Rubatsiro rwekuongorora pamuviri: AI companion ichakubatsirai kuti munoongorora sei pamuviri nekunzwisisa zvabuda. Muwane zvakare ruzivo maererano nematanho ekutora enoenderana nezvabuda. 

  • Kupangwa mazano nekupihwa rutsigiro: AI companion ichakupai mazano anopiwa munhu mushure mekunge aongororwa HIV anoenderana nezvinenge zvabuda muongororo. Muchapiwa nzira dzekudzivirira HIV kana mabuda musina utachiwana, uye rutsigiro rwekuti muwane rubatsiro rwekurapwa kana mabuda muine utachiwana. Muchapihwa zvakare nzira dzekudzivirira pamuviri dzekusarudza dzinoenderana nezvamunoda. 

  • Kubvunzwa mibvunzo (kana muchida): mune mukana zvekare wekupindura mibvunzo mishoma yekutaura mafungiro enyu nezvamasangana nazvo pamanga muchishandisa AI companion.

Kodzero dzenyu, kodzero yekuramba kana kubuda mutsvagurudzo

Isarudzo yenyu yakasununguka kubvuma kupinda muongororo. Mune kodzero yekumira kushandisa AI companion chero pane ipi nguva zvayo pasina kutya kushungurudzwa kana kurangwa. Kana mukasarudza kurega kushandisa AI companion, munongomira chete pasina kuudza vashandi vechirongwa. Zvisinei, zvichienderana nemhinduro dzenyu, AI Companion inogona kuona kuti unogona kubatsirikana nezvironga zvekudzivirira HIV kana zvimwewo. Munogona kutumidzirwa yeuchidzo nekurudziro yekuti mutaure zvekare neAI companion. 

Kupinda mutsvakurudzo ino hakumanikidzwe. Kana mukasarudza kusapinda muongororo ino, sarudzo yenyu haizokanganisi hukama hwenyu neCeSHHAR, vashandi vayo, college/university yenyu neMOHCC (Ministry of Health and Child Care) mune remangwana. Kana mukasarudza kupinda mutsvakurudzo, makasununguka kuchinja pfungwa dzenyu, morega kuramba muri muongororo chero nguva ipi zvayo pasina chirango. 

Kuchengetedzwa kwetsindidzo, njodzi uye zvamunowana 

Kuchengetedzwa kwetsindidzo uye ruzivo

Kana mukasarudza kusapa zita renyu chairo kuAI companion, ruzivo rwenyu rwamuchapa rwunoramba rwakavanzika zvachose, izvo zvinoderedza njodzi yekuburitswa kweruzivo rwenyu. 

Kuchengetedzwa kweruzivo (Data Protection) – Tsvakurudzo ino inotevedzera zvinodiwa neData Protection Act [Chapter 11:12] ya2021, iyo inotara mitemo yekuunganidza, kushandisa nekuchengetedza ruzivo rwemunhu zviri pamutemo muZimbabwe. Mutemo uyu wakadzikwa kuitira kuchengetedza ruzivo rwemunhu (rwakaita sezita, kuti uri munhurume kana munhukadzi, rudzi, kero yepaunogara nenhamba dzenhare) runogona kuunganidzwa nekushandiswa nemasangano ehurumende pamwe chete nemasangano akazvimirira. Zvichienderana nemutemo uyu, mushandi wetsvakurudzo pamwe nesangano rinoita tsvakurudzo vanosungirwa kubata ruzivo rwemunhu rwauchapa mutsvakurudzo ino nenzira iri pamutemo, isina rusarura uye yakachengeteka. Ruzivo rwako ruchashandiswa chete kuitira zvinangwa zvetsvakurudzo ino uye ruchachengetwa nekugoverwa zvichitevedzera zvinodiwa nemitemo inodzivirira ruzivo rwemunhu. 

Ruzivo rwetsvakurudzo ino rwuchachengetwa munzvimbo yakachengetedzeka kwemakore gumi kubva panoperera tsvakurudzo ino, zvichienderana nemitemo nemaitiro eCeSHHAR Zimbabwe pamwe nemimwe mitemo inoshanda. Vashandi vetsvakurudzo chete avo vakapiwa mvumo ndivo vachakwanisa kuwana ruzivo reongororo ino. 

Zvamuchawana

Nekupinda mutsvakurudzo, muchakwanisa kuwana ruzivo rwezvehutano rwakavanzika uye rwunetsindidzo, nemazano kubva kuAI Companion. Muchakwanisa kudzidza zvakawanda maererano nehutano hwenyu, kugamuchira mazano anonyatsoenderana nemi, uye kutungamirirwa pakuzviongorora HIV (kana zvichikodzera). AI Companion ichakubatsirawo kubatana nezvirongwa zvakakodzera zvekurapwa nekudzivirira zvirwere, kuitira kuti muwane rubatsiro rwamungada. Chinangwa chetsvakurudzo ino ndechekugadzira nekuongorora chirongwa chekuzvichengetedza kwehutano (self-care intervention) izvo zvichabatsira vechidiki vari kudzidza kumacolleges/universities kutora zvirongwa zvekudzivirira HIV nepamuviri.  Zvichawanikwa mutsvakurudzo ino zvichabatsira kuvandudza maturusi ehutano anoshandisa AI kuitira kuti azokwanisa kushandiswa mune ramangwana.

Njodzi

Pane mukana mudiki diki wekusangana nenjodzi pakushandisa AI companion, kunyanya panguva yamunenge muchizviongorora utachiwana hweHIV. Munogona kunetseka kana kushushikana. Zvisinei, AI companion ichakutungamirirai kuti munozvifambisa sei. AI companion pamwe chete nevashandi vehutano havazokumanikidzai kupa ruzivo rune chekuita nemi, uye ruzivo runoita kuti muzivikanwe ruchachengetedzwa zvine tsindikidzo kuitira kuchengetedza zvakavanzika zvenyu. Pane mukana mudiki diki wekuti ruzivo rune chekuita nemi runogona kuburutswa netsaona. Tichaedza kuita zvese zvinotarisirwa, sekubvisa ruzivo runoita kuti muzivikanwe kuti ndimi ani uye kusakubvunzai kushandisa zvinhu zvinoita kuti muzivikanwe kuitira kuchengetedza tsindikidzo

Kuri kunzi makuvara nekuda kwekuti mapinda muongororo, kunyangwe izvi zvisingatarisirwe, muchawana rubatsiro nekukasika kugadzirisa kukuvara kwamaita. Hamusi kurasa kodzero dzenyu kuburikidza nekupinda muongororo ino. 

Mubhadharo

Hapana mubhadharo wamunowana kuburikidza nekupinda muongororo ino. 

Mvumo yekuita ongororo

Tsvakurudzo ino iri kuitwa neCeSHHAR Zimbabwe. Tsvakurudzo ino irikuitwa ichitevedzera protocol yeMASCOT (iro rakapihwa mvumo ne Medical Research Council of Zimbabwe (MRCZ/A/3294) ne Liverpool School of Tropical Medicine (LSTM 25-020). Tsvakurudzo ino ichaitwa ichitevedza mitemo inotungamira kuitwa kwetsvakurudzo, yakanyorwa muDeclaration of Helsinki (yakapedzisira kuvandudzwa muna October 2024), pamwe nemimwe mitemo yepasi rose inoshanda pakuita tsvakurudzo dzehutano hweveruzhinji nenzira dzakarurama. Magwaro emitemo iyi anowanikwa kubva kune vashandi vetsvakurudzo kana mukakumbira. 

Munobata ani?

Kana mukaita chero mibvunzo maererano netsvakurudzo ino, kana kuti makuvara batai Professor Euphemia Sibanda panhamba dzinoti 0782743948 vanowanikwa panhamba 10 Coronation Avenue, Greendale, Harare.