English Translation

Ndebele Translation

Mitemo yekushandisa

Iyi mitemo yekushandisa (Mitemo yekushandisa kana kuti Mitemo) inoona nezvemashandisiro aunoita VimbAI WhatsApp Chatbot (inonzi “Solution”) pamwe chete nemamwe mabasa ane chekuita nayo anopiwa neAudere, sangano risingawane mubhadharo pabasa rainoita (“Audere”, “isu”, “yedu”, kana kuti “isu”). NDAPOTA NYATSOVERENGA MITEMO YEKUSHANDISA IYI USATI WASHANDISA SOLUTION IYI.

Mitemo yekushandisa iyi inotsanangura mitemo nemamiriro epamutemo anofanira kuteverwa pakushandisa Solution iyi. NEKUPINDA MUKATI MEKUSHANDISA SOLUTION IYI, UNOBVUMA KUTEVEDZERA MITEMO IYI UYE UNOTIPA MVUMO YEKUTORA RUZIVO RWAKO PACHAKO. Unoratidzawo kuti une masimba uye unokwanisa kubvuma uye kusungirirwa nemazwi aya. NEKUPINDA UYE KUSHANDISA SOLUTION IYI, UNOBVUMA KUTI UCHASHANDISA SOLUTION IYI NENZIRA YAKAKODZERA. KANA USINGATENDERANI NAZVO USAENDERERE MBERI NEKUSHANDISA SOLUTION IYI.

1. Mutemo WeMashandisirwo Akakodzera (Acceptable Use Policy)

  • Unobvumidzwa kushandisa Solution chete sezvabvumiranwa muMITEMO ino. Naizvozvo, unobvuma kusaita zvinotevera:

  • Kushandisa Solution pane zvinhu zvisiri pamutemo;

  • Kushandisa Solution nenzira ingaikanganisa, kukuvadza, kana kuremera Solution, kana kuvhiringidza mashandisirwo eSolution nevamwewo vanenge vachiishandisa;

  • Kuunza utachiwana, Trojan horses, worms, malware, time bombs kana chimwe chinhu chinokuvadza kana chingakuvadza Solution;

  • Kukanganisa, kuvhiringidza kana kuyedza kuwana mukana usingatenderwi kune chero chikamu cheSolution, kusanganisira ruzivo rwuri muSolution kana pane server kana database rakakonnectwa kuSolution;

  • Kudzivirira, kupfuura miganhu kana kukanganisa zvinhu zvakaiswa neAudere kana vatinoshanda navo kuchengetedza Solution zvekuchengetedza, dziviriro, kana matekinoroji akaiswa neAudere kana nevapiwi vemasevhisi vedu kuti vadzivirire Solution;

  • Kuyedza, nenzira ipi neipi, kuwana password, account, ruzivo rwekupinda kana rumwe ruzivo rwekuchengetedza kubva kune vamwe vari kushandisa Solution;

  • Kunyepedzera kuve mumwe mushandisi, munhu kana sangano;

  • Kubvisa, kudzima, kushandura kana kuviga zvitambi (trademarks), tsananguro, vimbiso (warranties), kana kodzero dzekodzero, trademark, patent kana imwe kodzero yepfuma (intellectual property) kubva kuSolution kana kune zvimwe zvaunopihwa kuburikidza neSolution.

2. Mimwezve Mitemo yekuwedzera

Mashandisirwo ako eSolution anoenderana nemimwezve mitemo yakapamhidzirwa yakadai se Privacy Policy https://healthpulsenow.org/consumer-apps/vimbai/privacy-policy/sn, iyo yatinokuzivisa. Unopa Audere pamwe nevamwe vatinoshanda navo kupa masevhisi mvumo yekushandisa ruzivo rwako sezvatsanangurwa muPrivacy Policy. Solution iyi inopiwa kune vanoishandisa nenzira kwayo. Nekushandisa Solution iyi, unoratidza uye unovimbisa kuti une kodzero yepamutemo yekupinda muchibvumirano chepamutemo neAudere uye kuti une zvinodiwa zvataurwa pamusoro. Kana usina zvese zvinodiwa izvi, haubvumidzwi kupinda kana kushandisa Solution.

Unobvumirwa chete kupinda muchibvumirano chepamutemo nesu rekushandisa Solution iyi kana uine makore gumi nematanhatu (16) kana kupfuura. Kana uri pasi pemakore 16, unofanirwa kunge wawana mvumo yakajeka kubva kuvabereki vako kana muchengeti wako wepamutemo. Muzviitiko zvose izvi, tichada kuti usimbise mvumo iyoyo nekukanda chiratidzo pabhokisi rakakodzera usati waenderera mberi nekuronga kushandisa Solution.

Sezvo tichitarisirwa kutevedzera mitemo inoshanda pamwe nemazwi ezvibvumirano zvatinacho nevamwe vatinobatana navo, tine kodzero yekukumbira humbowo hwezera rako, uye mukana wako wekuwana Solution unogona kumiswa kusvikira wapa humbowo hunogutsa. Kana uri pasi pemakore 16, tapota tizivise chokwadi ichi nekuisa chiratidzo pabhokisi rakakodzera usati waenderera mberi nekuronga Solution kana kutitumira chero ruzivo rwako pachako.

Unonzwisisa uye unobvuma kuti hatigone kukupa zano repamutemo kana kuvimbisa chero chinhu chepamutemo, uye kuti ndezvako wega kuita chokwadi chekuti unogara uchitevedzera mitemo inokutonga, uye kuti une kodzero yepamutemo yakazara yekupinda muchibvumirano nesu kuti ushandise Solution iyi.

Kushandisa Solution kunoitwa nesarudzo yako, maonero ako, uye nenjodzi yako, maererano nemutemo weState of Washington, USA.

3. Malink kune mamwe mawebhusaiti

Solution inogona kunge iine mamwe malinks kune mawebhusaiti evamwe vanhu kana masangano (third party websites) senzira yekurerutsa mashandisiro. Audere hainei nezviri mumawebhusaiti aya, kusanganisira mawebhusaiti ari mukati meSolution pachayo. Kana mukasarudza kushandisa mawebhusaiti akadaro, munoita izvozvo makazvimirira, uye muchanyatsotevedzera mitemo nemamiriro ekushandiswa kwemawebhusaiti iwayo — izvo zvatinokukurudzira kuti muzviongorore uye munzwisise.

Audere haibati mhosva yezvakaipira kana kukuvara kunobva pakutenga kana kushandisa zvinhu, masevhisi, zviwanikwa, zvemukati, kana chero imwe mhando yechibvumirano chaitwa kuburikidza nemawebhusaiti aya. Ndapota ongororai nemazvo mitemo nemaitiro emawebhusaiti iwayo uye mova nechokwadi kuti munozvinzwisisa musati mapinda mune chero chibvumirano kana kutenga.

Zvikumbiro, zvichemo, zvinetsekano, kana mibvunzo ine chekuita nezvigadzirwa kana masevhisi zvinofanirwa kunanga kune ivo pachavo.

4. Kuderera kweMutoro

KUNZE KWEZVINGANGOITIKA KUBVA PAMAITIRO ANORATIDZA KUSAVA NEHANYA, KUITA NEHUTSINYI, KANA KUSAITA ZVATAITARISIRWA, AUDERE NEVAKABATANA NAYO — KUSANGANISIRA VASHANDI VAYO, VAKURU, VAMIRIRI, VATINOSHANDA NAVO, VANOPA MVUMO, VARAPI, KANA VAPI VEZVIRONGWA ZVEHUTANO (“THE INDEMNEES”) — HAVANA MUTORO WAKADARO (UYE HAKUNA CHIKONZERO CHEZVIRIPO ZVINO KANA ZVICHINGAITE ZVICHITEVERA, ZVAKADAI SEKUTONGWA, KUONGORORWA, KUCHAJWA, KUPOMERWA Mhosva, ZVICHEMO, KANA ZVIKUMBIRO) PAMHOSVA YEKUKUVARA, KURASIKIRWA KANA KUKUVADZIRWA ZVINHU KUBURIKIDZA NEKUSHANDISA KWAKO SOLUTION.

HAKUNANGI NGUVA ZVAYO APO “INDEMNEES” VANGAVA NEMUTORO KWAURI PA

— ZVIKUVADZO ZVISINA KUTARISIRWA, ZVIKONZERO ZVAKANANGA NEZVISIRI, KUKUVADZIKA KUNOGARA, KANA KUKUVADZIKA KUKURU —

KUNYANYA KANA ZVICHIBVA MUMITEMO YECHIBVUMIRANO, KUTYORA MUTEMO (TORT/DELICT), MASHANDIRO AKAOMA (STRICT LIABILITY), KANA MUMWEWO MUTEMO — ZVICHIBUDA NEKUPINDA MUKATI KANA KUSHANDISA SOLUTION IYI KANA MABASA AYO.

IZVI ZVINORAMBIKA KUNYANGE KANA AUDERE YAKAYAMBIRIRWA PAMIKANA YEKUITIKA KWEMATAMBUDZIKO AKADARO.

5. Kuzviramba Pamutemo (Disclaimers)

SOLUTION IYI UYE ZVIRI MUKATI MAYO ZVINOPIWA SEMAUYIRO AZVAKAITA (AS IS) UYE “SEZVIRIPO PAZVINOWANIKWA” (AS AVAILABLE), PASINA VIMBISO IPAPO, YAKANYATSONYORWA KANA YAKAVANZIKA (EXPRESS OR IMPLIED).

AUDERE, VAKABATANA NAYO, UYE VAMIRIRI VAVO — KUSANGANISIRA VAKURU, VASHANDI, MAMEJARI, VANACHIPANGAMIDZI, VARAPI, VAVAPI VEMABASA EZVEHUTANO, KANA MAPIRO ESEVHAISI — VANORAMBA VIMBISO DZOSE, DZAKANYORWA KANA DZAKAVANZIKA, PAMUSORO PESOLUTION UYE ZVIRI MUKATI MAYO.

Izvi zvinosanganisira vimbiso dzakavanzika kana zvibvumirano pamusoro pezvinotevera:

• Kuchinjika kwezvinhu kumusika (merchantability),

• Kukodzera kushandiswa kune chimwe chinangwa (fitness for a particular purpose),

• Zita kana kodzero yekushandisa (title),

• Kusatyora kodzero dzevamwe (non-infringement),

• Uye chero imwe vimbiso, ingave yakataurwa nemuromo kana yakanyorwa.

Kushandisa kwako Solution iyi kunoitwa neruzivo rwako uye nenjodzi yako wega.

Audere nevamwe vavanoshandira navo havazobatwi nemhosva pamusoro pechiito chipi nechipi chawaita iwe kana vamwe zvichibva pane zvemukati zvakaratidzwa muSolution.

Havavimbisi uye havatauri kuti:

1. Kushandisa Solution kuchaenderera pasina kukanganiswa kana kukanganisa,

2. Zviri mukati mezvinenge zvawanikwa ndezvechokwadi, zvakazara, zvinovimbika kana kuti ndezvenguva ino,

3. Solution kana zvemukati zvayo hazvina mavhairasi kana zvinhu zvinokuvadza,

4. Hakuzovi nekumonera, kukundikana, kana kukanganiswa kwedata panguva yekutumirwa.

Hapana nguva iyo Audere inobatwa nemhosva kune chero kukuvara kana kukuvadza kwakakonzerwa kana kwakabva mukushandisa kwako masevhisi, Solution kana zvemukati zvakabatana nazvo, kana kushandiswa uku kuchityora Mazwi aya.

6. Kudzosera Mhosva (Indemnity)

Imi nekwamunenge muchibatsirwa, mubereki kana muchengeti wenyu wepamutemo, munobvuma kudzivirira, uye kusapa mhosva kuAudere — pamwe nenhengo dzayo, vavakabatana navo, pamwe nevakuru vavo, mamejari, vashandi, vamiriri, vabatani, vanopa marezinesi, vanachiremba, vashandi vehutano, uye vapiwi vemasevhisi — kubva kune chero zvichemo, zviito kana zvikumbiro, mhosva, kana kubhadhariswa mari, kusanganisira (pasina muganhu) mitero yepamutemo neyeaccounting yakakodzera, zvinokonzerwa kana zvinofungidzirwa kuti zvakakonzerwa ne:

1. Kutyorwa kwako mutemo wekushandisa uyu, imwe mitemo yedu, kana mutemo/mirau inoshanda,

2. Kushandisa kwako Solution nenzira isingabvumidzwi kana isiri pamutemo.

Izvi zvinoreva kuti unotora mutoro wakazara wezvinhu zvinobuda mukushandisa kwako Solution kana kutyorwa kwemitemo, uye unobvuma kudzivirira Audere kuti irege kutambura nemigumisiro yazvo.

7. Kodzero pamusoro pepfuma yeruzivo (Proprietary Rights)

Solution iyi nezviri mukati mayo zvinounzwa kwamuri pachena kuburikidza neSolution — kusanganisira, pasina muganho, zvese, zvinyorwa, mifananidzo, maicon, nemifananidzo — pamwe nekodzero dzese dzehunyanzvi (intellectual property rights), mazano, pfungwa, kana mhinduro dzauchapa, zvose izvi ipfuma yeAudere kana yevanotipa masevhisi kana zvatinoshandisa uye zvakachengetedzwa pasi ruzivo rwepfuma yakavanzika, kodzero dzeCopyright, matirakemaki (trademarks), masevhisi emhando (service marks), mapatent, uye imwe mitemo inodzivirira kodzero dzekugadzira.

Kuunganidzwa kwezvose zviri muSolution — ipfuma yakazara yaAudere uye inodzivirirwa nemitemo yeU.S.A. pamwe neyezvimwe nyika.

Kunze kwekunge Audere yakanyatsokupa mvumo yakanyorwa:

• Haugone kushandisa, kutengesa, kuchinja, kudzokorora, kugovera, kuongorora nehurongwa hwekudzosera kodhi (reverse engineer), kana kugadzira zvimwe zvinobva pazviri (derivative works), kana kushandisa chero ruzivo rwunopihwa neSolution, muzvikamu kana zvizere.

Audere inokupa kodzero shoma, inobviswa chero nguva, isiri yekusarudzika yekuwana nekushandisa Solution iyi chete kwechinangwa chako wega uye chisiri chebhizinesi.

Chero kushandiswa kunopfuura chinangwa ichi kwakarambidzwa zvachose.

Zvimwe mazita, marogo, mhando kana zvinhu zvinoratidzwa muSolution zvinogona kuva matirakemaki, mazita ebhizinesi, kana ma service marks eAudere, kana evabatani vayo. Haugone kushandisa zvinhu izvi pasina mvumo yakanyorwa kubva kuAudere kana vavakabatana navo.

8. Kupererwa kweChibvumirano, Shanduko (Termination, Modifications)

Audere inogona kumisa Mitemo ino pane ipi nguva zvayo, zvichienderana nekufunga kwayo. Audere inogona kumisa, kumbomira, kana kushandura Solution chero nguva, mushure mekutanga yakuzivisai kana pasina kukuzivisa. Mvumo yako yekushandisa Solution inogonawo kumiswa chero nguva neAudere pasina chiziviso, zvichienderana nekufunga kwayo. Audere haizobatwi nemhosva kana Solution yose kana chikamu chayo ikasawanikwa kwechinguva kana zvachose.

9. Zvimwewo zvinechekuita nemutemo (General)

Uyu mutemo wemushandisa pamwe ne Privacy Policy uye zvimwe zvibvumirano zvinenge zvabatanidzwa mukushandiswa kwako kweSolution, zvinomiririra chibvumirano chizere pakati pako neAudere maererano nekushandiswa kweSolution. Mutemo wekushandisa uyu, pamwe nekushandiswa kwako kweSolution, zvinotongwa nemitemo yeState of Washington (USA), pasina kutarisa kune misiyano yemutemo (conflict of laws principles). Munobvuma pachena kuti mhosva ipi neipi ine chekuita neAudere, kana nekushandisa kwako Solution, ichatongwa nematare eState of Washington. Munobvumawo uye unopa mvumo yakajeka kuti matare eState of Washington ave nemvumo yekukutongerai (personal jurisdiction) kune mhosva dzakadaro. Kana paine chikamu chemutemo uyu chakawanikwa chiri chisiri pamutemo kana chisingagone kushanda nemutemo, izvozvo hazvizokanganisa kusimba kwemamwe mapoinzi emutemo uyu, ayo acharamba achishanda zvizere. Kuregererwa kwechikamu chipi nechipi chemutemo uyu hakurevi kuti chikamu ichocho kana chimwe chikamu charerutswa zvakare mune remangwana. Kana mutemo uyu wawanikwa usisashande, zvikamu zvinenge zvichifanira kuramba zvichishanda zvichienderana nezvazviri, zvicharamba zvichishanda kunyangwe chibvumirano chapera. Hamugone kupa kana kuendesa kodzero kana zvisungo zvenyu pasi pemutemo uyu kune mumwe munhu pasina mvumo yakanyorwa kubva kwatiri. Kana mukaita izvozvo pasina mvumo, hazvisi pamutemo uye hazvina kusimba. Audere yakasununguka kukupai kana kuendesa kodzero nezvisungo zvayo pasi pemutemo uyu pasina kukanganiswa. Zvichienderana nezvataurwa pamusoro, mutemo uyu unosungira mapato ese, pamwe nevanhu vachatora nzvimbo yavo (successors) kana vakapiwa mvumo yekutora zvavari kuita. Kana mutemo wekushandisa uya ukashandurirwa mumimwe mitauro, shanduro yeChirungu ndiyo ichave iri pamberi (inotungamira).

10. Chiziviso cheDMCA (DMCA Notification)

Audere ine kodzero yekubvisa chero zvimwe zvinhu, kana ruzivo ruri kuwanikwa muSolution kana kuburikidza nesolution chero nguva, nechikonzero chipi zvacho, ichishandisa maonero ayo. Audere inotevedzera zvakarongwa ne Digital Millennium Copyright Act (DMCA) inoenderana nevanopa masevhisi paInternet (17 U.S.C. § 512, sezvagakadziridzwa), uye inoita zvinoenderana nezviziviso zvakajeka zvekutyorwa kwecopyright. Chikamu chino chinotsanangura maitiro anofanirwa kuteverwa pakutumira chiziviso chekutyora kodzero dzekugadzira (copyright infringement) kuAudere.

Chiziviso chekutyorwa kweCopyright (Notification of Claimed Copyright Infringement)

Kana muine zvichemo kana zvinhu zvinonzi zvine copyright zvinowanikwa muSolution, munogona kutumira chiziviso kune mumiriri akasarudzwa (Designated Agent) waAudere kune kero inotevera:

Audere

1601 5th Ave, Ste 900

Seattle, WA 98101

Attn: General Counsel

Chiziviso chekutyorwa kwekodzero dzeCopyright pasi pe17 U.S.C. § 512(c)

Chero chiziviso chinotumirwa kuAudere pasi pe 17 U.S.C. § 512(c) chinonyunyuta nezvekutyorwa kwekodzero dzecopyright chinofanira kusanganisira ruzivo runotevera:

Siginecha yepakombikuya kana yepanyama yemunhu ane mvumo yakakwana yekuita panzvimbo pemuridzi wekodzero yakasarudzika iri kunzi yatyoriwa;

Tsananguro yezvinhu zvine copyright kana imwe pfuma yepfungwa (intellectual property) yauri kuti yatyorwa. Kana chiziviso chacho chichibata mabasa akawanda ane copyright, rondedzero inomiririra mabasa aya;

Tsananguro yezvinhu zvauri kuti zviri kutyora copyright uye kwazviri kuwanikwa muSolution;

Ruzivo rwakakwana rwekuti Audere ikubate, semuenzaniso: kero yako, nhamba yefoni uye/kanawo email address;

Chirevo chako chakanyorwa chinoratidza kuti une chivimbo chechokwadi chekuti kushandiswa kwezviri mukati kana zvinhu zvauri kunyunyuta nazvo hakuna kubvumidzwa nemuridzi wecopyright, mumiriri wake, kana nemutemo;

Chirevo chakasainwa newe chinoti ruzivo rwese rwuri muchiziviso chako ichokwadi, uye kuti pasi pechipikirwa chechokwadi (under penalty of perjury), iwe uri muridzi wecopyright kana kuti une mvumo yekuita panzvimbo pemuridzi wecopyright.

11. Kuchinjwa kwemutemo wekushandisa (Changes to our Terms of Use)

Tine kodzero yekugadzirisa kana kuchinja mutemo wekushandisa chero nguva. Zvese zvinenge zvachinjwa zvichatanga kushanda ipapo pazvinenge zvangoiswa pawebhusaiti iyi. Tichakuudzai nezvekuchinja kukuru kwemaTerms aya nekuzvinyora pachena muSolution.

Kana mukaenderera mberi nekushandisa Solution mushure mezuva rekutanga kushanda kwemaTerms achangobva kuchinjwa, zvichanzi mabvuma shanduko dzacho. Vhezheni yega yega yemutemo wekushandisa icharatidzwa pachena iine zuva rayo rekutanga kushanda. Kana pane chero chimwe chezvikamu chemutemo uyu chisingakufadzei, chamunogona kuita chete kuzvidzivirira nderekusiya kushandisa Solution iyi. Kusimbisa, uyu mutemo wekushandisa unoenderana nekushandisa kwako Solution iyi chete uye haushande kune dzimwe mhinduro kana mapurogiramu eAudere ane mazwi awo akasiyana.

12. Tibatei (Contact Us)

Kana muine mibvunzo kana zvamusina kugutsikana nazvo kubva pane zvataurwa pamusoro, munogona kutibata pa:

Audere

1601 5th Ave, Ste 900

Seattle, WA 98101

Attn: General Counsel

Kutanga musi wa: November, 2024